Proverbs 19

1Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama,
pane benzi rine muromo wakatsauka.
2Hazvibatsiri kushingaira usina zivo,
kana kukurumidza uchizorasika nzira.

3Upenzi hwomunhu hunoparadza upenyu hwake,
asi mwoyo wake unotsamwira Jehovha.

4Pfuma inouyisa shamwari zhinji,
asi murombo anosiyiwa neshamwari dzake.

5Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa,
uye uyo anodurura manyepo haangaregedzwi.

6Vazhinji vanotsvaka nyasha kumutongi,
uye mumwe nomumwe ishamwari yomunhu anopa zvipo.

7Murombo anoraswa nehama dzake dzose,
kuzoti shamwari dzake, dzinomunzvenga zvakadii!
Kunyange akavatevera achidemba kwazvo
havangawanikwi.

8Uyo anowana uchenjeri anoda upenyu hwake;
uye anochengeta kunzwisisa anobudirira.

9Chapupu chenhema hachingaregi kurangwa,
uye uyo anodurura manyepo achaparara.

10Hazvina kufanira kuti benzi rigarike,
ko, zvakanyanya kuipa sei kuti muranda atonge machinda!

11Uchenjeri hwomunhu hunomupa mwoyo murefu;
kukudzwa kwake ndiko kukanganwira kudarika kwomumwe.

12Kutsamwa kwamambo kwakafanana nokuomba kweshumba,
asi nyasha dzake dzakaita sedova pauswa.

13Mwanakomana benzi ndiko kuparara kwababa vake,
uye mukadzi anokakavara akafanana nemvura inoramba ichingodonha.

14Dzimba nepfuma inhaka inobva kuvabereki,
asi mukadzi akanaka anobva kuna Jehovha.

15Usimbe hunouyisa hope dzakadzama,
uye munhu asingashandi achafa nenzara.

16Uyo anoteerera kurayira anochengetedza upenyu hwake,
asi uyo asina hanya nenzira dzake achafa.

17Uyo anonzwira varombo tsitsi anopa kuna Jehovha,
uye achamupa mubayiro wezvaakaita.

18Ranga mwanakomana wako, nokuti mukuranga ndimo mune tariro;
usava nechikamu pakuparadzwa kwake.

19Munhu ane hasha zvikuru anofanira kuripa mhosva yake;
kana ukamununura, unofanira kuzomununurazve.

20Teerera zano ugamuchire kurayirwa,
uye pakupedzisira uchava wakachenjera.

21Mune urongwa huzhinji mumwoyo momunhu,
asi kuda kwaJehovha ndiko kunobudirira.

22Chinodiwa nomunhu rudo rusingagumi;
zviri nani kuva murombo pano kuva murevi wenhema.

23Kutya Jehovha kunotungamirira kuupenyu:
Ipapo munhu achazorora zvakanaka, asingawirwi nedambudziko.

24Simbe inoisa ruoko rwayo mundiro;
igotadza kunyange kurwudzosa kumuromo wayo!

25Rova museki, ipapo vasina mano vachadzidzawo ungwaru;
tsiura munhu ane njere, ipapo achawana zivo.

26Uyo anobira baba vake uye achidzinga mai vake
mwanakomana anonyadzisa.

27Mwanakomana wangu, ukasateerera kurayirwa,
uchatsauka kubva pamashoko oruzivo.

28Chapupu chakaipa chinoseka kururamisira,
uye muromo womunhu akaipa unomedza zvakaipa.
29Kurangwa kwakagadzirirwa vaseki, uye kurohwa misana yamapenzi.

Copyright information for SnaBDSC